Usatsamwa Lyrics

QOUNFUZED Feat TI GONZI Zimbabwe | afrobeat,

Usatsamwa Lyrics


(Usatsambwa bhebhi)
Ndinenge ndakasungikana
(Ndichaplanner maybe)

Ndiriyo, ndiriyo, ndiriyo bhebhi wo
Mumasango emhiriyo ndichitsvaga muriwo
Ndiriyo, ndiriyo, ndiriyo bhebhi wo
Mumasango emhiriyo zvimwe ndichadzoka nemiriyoni
Kana waona ndisiri kubatika usazovhunduke, usazopanika
Haikona kuzomboita madoubts daddy vanenge varimumarounds
Kana waona ndisiri kubatika usazovhunduke, usazopanika
Haikona kuzomboita madoubts daddy vanenge varimumarounds

Bhebhi sorry pandinoti ndirikudzoka manje-manje
Ndatadza woita hasha manje neshanje
Wotanga kunditreater kunge ndaita crime
Maoko ndinawo but handigone kubata time
Misi yandoita busy, ibhizinisi
I got dreams of brighter days sometimes ndoita busy
Shungu dzangu ingoita moyo murefu please
Usandione kunge shiri wandiona ndiri zii-zii
Ndinokuda bhebhi future yatiri kuumba
Ndikasarara kumba ziva ndarara kumba
Inini newe mhuri yedu iri blessed
Handidi kukuona uri stressed
Ndokuda zvekuti dhu ndokufunga zvekuti dhu-u
Handisi  kunyepa bhebhi yes I really do
Usandione kunge Scooby-doo
Saka haikona kundiwanzira mamudhu

Ungava uri kure mumoyo uripedyo
(Moyo uri pedyo)
Mumoyo uri pedyo nyangwe uri kure
(Nyangue uri kure)
Ungava uri kure mumoyo uripedyo
(Moyo uri prdyo)
Mumoyo uri pedyo nyangwe uri kure
(Nyangue uri kure)
Kana waona ndisiri kubatika usazovhunduke, usazopanika
Haikona kuzomboita madoubts daddy vanenge varimumarounds
Kana waona ndisiri kubatika usazovhunduke, usazopanika
Haikona kuzomboita madoubts daddy vanenge varimumarounds

Ndazongobatikana ndanga ndisina kuzviplanner
Ndatadza kukuona nhasi ndokuona mangwana
Zvinhu zvangu zvikasazobatana
Ukandisiya unenge wandiisa patight
Kurwa ndega hondo yepanyika handingaigone
I will never ever win that fight

Huyaa ndikuudze secret you are beautiful
Kaikona kundidoubter kana kundi shaudha
Ndaisawoneka kunge ndiri mumota iri tinted
Phone iri off kunge mushandi paweekend

Kana woana ndisiri kubatika. Takavimbisana
(Usatsamwa bhebhi)
Daddy vanenge varimumarounds
Zvimwe ndichadzoka nemiriyoni

Ndiriyo, ndiriyo, ndiriyo bhebhi wo
Mumasango emhiriyo ndichitsvaga muriwo
Ndiriyo, ndiriyo, ndiriyo bhebhi wo
Mumasango emhiriyo zvimwe ndichadzoka nemiriyoni
Kana waona ndisiri kubatika usazovhunduke, usazopanika
Haikona kuzomboita madoubts daddy vanenge varimumarounds
Kana waona ndisiri kubatika usazovhunduke, usazopanika
Haikona kuzomboita madoubts daddy vanenge varimumarounds

Ungava uri kure mumoyo uripedyo
(Moyo uri pedyo)
Mumoyo uri pedyo nyangwe uri kure
(Nyangue uri kure)
Ungava uri kure mumoyo uripedyo
(Moyo uri prdyo)
Mumoyo uri pedyo nyangwe uri kure
(Nyangue uri kure)
Zvimwe ndichadzoka nemiriyoni
Daddy vanenge varimumarounds
Usatsamwa

Leave a Comment