QOUNFUZED Nzvimbo Yako cover image

Nzvimbo Yako Lyrics

Nzvimbo Yako Lyrics by QOUNFUZED


Ehkaa,(Tambaoga haana pressure)
Ngoma yerudo (Ngoma yerudo)
Iwee
Ehe ka nhai
(Sta)
Nyaya yacho yakaoma

Bata hana yangu ugoziva  mukati imomo mune nzvimbo yako
(Mune nzvimbo yako)
Usanyepegwe nevanhu vemakuhwa kuti hatifitani
Ndini munhu wako (Ndini munhu wako)
Aiwa handidi newe, uri wangu kaiwe
Chengeta rudo rwedu rusabiwe, ndingabaikana
Ndibatisise usasiye, tigochembedzana
Huya pedyo neni
Timboyemedzana

Bata hana yangu ugoziva  mukati imomo mune nzvimbo yako
(Mune nzvimbo yako)
Usanyepegwe nevanhu vemakuhwa kuti hatifitani
Ndini munhu wako (Ndini munhu wako)
Ndizvo kaa iwe iwe, zvatakawirirana
Ndizvo kaa, zvatakatenderana
Ndoda kukupakira mashoko erudo munzeve
Achinatsotapira kusvikira wava nechiveve

Kana usipo ndosuwa hwema hweganda rako
Veduwee zveshuwa, Ngiya kuthanda hako-o
Ramba uchindipuruzira
Kuromensana ndo kwandinokurudzira
(Nyaya yacho yakaoma)
Haa ndizvo kaiwe
Kana wava wangu ini handizodawo
Kukuona une vamwe vanhu
Saka

Bata hana yangu ugoziva  mukati imomo mune nzvimbo yako
(Mune nzvimbo yako)
Usanyeperwe nevanhu vemakuhwa kuti hatifitani
Ndini munhu wako (Ndini munhu wako)
Ndizvo kaa iwe iwe, zvatakawirirana
Ndizvo kaa, zvatakatenderana
Ngatitungidze rudo se mooto
Hupenyu idamba kamwe, tikafa hatidi kuzorambana  ndongoda iwe
Hatingatambe rudo selotto
Chero tikafa todanana chete tomuka zvipoko
Ukaisa nzeve yako pahana yangu uchanzwa ngoma yerudo
(Ngoma yerudo)
Ukaisa nzeve yako pahana yangu uchanzwa ngoma yerudo
(Ngoma yerudo)

(Forever
Forever
Forever)
You and me forever
You and me forever
(Forever
Forever
Forever)
You and me forever
You and me forever

Watch Video

About Nzvimbo Yako

Album : Nzvimbo Yako (Single)
Release Year : 2023
Added By : Farida
Published : Jul 26 , 2023

More QOUNFUZED Lyrics

QOUNFUZED
QOUNFUZED
QOUNFUZED

Comments ( 0 )

No Comment yet



About AfrikaLyrics

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2024, We Tell Africa Group Sarl