Hokoyo by JAH PRAYZAH Lyrics

Makadiiko changamire
Maita maugana
Moita musarinya
Asi tangai maudzana
Hokoyo

Dai wandirumbidza
Kana ndakunakidza
Nemutupo wakazara
Nemashoko onogara
Hokoyo

Hwee ndoenda
Vasikana ndoenda
Hwee ndoenda
Nemukombe ndoenda
Hokoyo

Vachakutsondoresa parukangara
Vachakuvengera cheziya
Vachakugumbura
Pauchau ganidza pfuma
Vachati unoroya
Mwanangu uchaiona nhame yacho ichauya
Pamuchakwira gomo mose muchinanaidzana
Pamuchafamba munzira mwanangu
Uchanzwa kurova kwehana
Pauchaunganidza pfuma
Vachati unoroya
Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya

Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye
Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye
Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye

Ndifukure pfimbi ndikange mbeu
Ndodyiramvi
Ndibatire tsindi
Ndodyira shungu
Handisi mudzimu ini
Havana ganda kumeso
Havana moyo munyoro
Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya
Vakati nhamo ngaive zita rako
Vakati nhamo ngaive nzira yako
Paunounganidza pfuma
Vanoti unoroya

Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya
Mira ndikutaurire uyambuke usvike kure
Mira ndikunamatire zvikomborero ugamuchire
Kura uone kura
Kura uone
Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya
Mira ndikutaurire uyambuke usvike kure
Mira ndikunamatire zvikomborero ugamuchire
Kura uone kura
Kura uone
Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya

Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye
Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye
Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye

Mwanangu terera
Handina kukusarudza
Ndini ndakubereka
Pamwe pacho toudzana
Kuti mvura ikauya
Mhepo ikauya
Usapinde mubako mune shato unorumwa
Mwanangu terera
Handina kukusarudza
Ndini ndakubereka
Pamwe pacho toudzana
Kuti mvura ikauya
Mhepo ikauya
Usapinde mubako mune shato unorumwa

Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye
Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye
Hoye hoye, hoye hoye, hoye hoye

Music Video
About this Song
Album : Hokoyo ,
Release Year : 2020
Added By: Farida
Published: Mar 21 , 2020
More Lyrics By JAH PRAYZAH
Comments ( 0 )
No Comment yet
Leave a comment