Vhenekai Lyrics by QOUNFUZED


Hupenyu hwangu ndavakuhusiya mumaoko enyu
Tenzi ndirweiwo hondo dzangu
Regererai zvitadzo zvangu
Mmmm Mwari

Ndapfugama pamberi penyu
Pamberi penyu baba
Ndichitenda nechipo chehupenyu
Baba ndotenda baba ndotenda
Baba ndotenda baba ndotenda

Vhenekaiwo
Chenesaiwo
Yeresai muteuro baba
Oooowoo
Vhenekaiwo
Chenesaiwo
Yeresai muteuro baba

Ndirimujeri ndirikupika mhosva yandisingazive
Kana uri munyama Ishe itai undisiye
Kuti mangwana ndodyei handimboziye
Pandofamba Ishe itai mundirwire
Mmmm Mwari
Ndoda mundirwire Mwari
Musambondisiye Mwari
Vakuda kundidyisa mufarinya
Vakuda kundiisa muhari
Havadi ndirore Maria
Havadi ndiite mari
Havadi ndidraivhe Harrier
Vanoda ndifambe murima
Ndakavatadzireiko ini
Zvandingoriwo nherera ini
Pfuma yababa makadya imi
Mhosva ndeyeyi ndiripe
Mhosva ndeyeyi ndiripe ini
Vanoda kuti ndive chiseko ini
Vanoda ndishaye zvipfeko ini
Pandorwara ndiporeseiwo ndiporeseiwo
Ndirimurima ndivhenekereiwo ndivhenekereiwo
Pazvinooma ndigoneseiwo ndigoneseiwo
Nzira yangu icheneseiwo

Vhenekaiwo
Chenesaiwo
Yeresai muteuro baba
Ooowoo
Vhenekaiwo
Chenesaiwo
Yeresai muteuro baba

Pukuta musodzi yangu wozve pamatama
Kuteura kwemodzi yaAbrahama
Mhepo munyama nezvisi
Mhepo munyama
Zvichayeredzwa nerwizi
Baba

Life yandirikurarama irikurwadza Lord I'm scared
Ndirikungwavha ngwavha but muhomwe hamuna kana cent
Mweya wetsvina here iri pandiri  kana icurse
Hama dzakandiramba handisina kana mafriends
Hana yangu yaramba kudzikama
Ndirimubishi kukwira nekudzika
Vakateya mariva munzira
Vanofara vakaona ndichitambudzika
Madhiri akapinda mudziva
Vanotumira shiri zuva nezuva nendichingovhika
Hanzi haaite chinobatika vanenge vachitopika

Pandorwara ndiporeseiwo ndiporeseiwo
Ndirimurima ndivhenekereiwo ndivhenekereiwo
Pazvinooma ndigoneseiwo ndigoneseiwo
Nzira yangu icheneseiwo
Mmmmmmmm

Hupenyu hwangu ndavakuhusiya mumaoko enyu
Tenzi ndirweiwo hondo dzangu Regererai zvitadzo zvangu
Hupenyu hwangu ndavakuhusiya mumaoko enyu
Tenzi ndirweiwo hondo dzangu
Regererai zvitadzo zvangu

Mmmm Mwari
Vhenekaiwo
Chenesaiwo
Yeresai muteuro baba

Ooowoo
Ndirimujeri ndikupika mhosva yandisingazive
Muteuro baba
Pandofamba ishe itai mundirwire
Muteuro baba

Watch Video


About Vhenekai

Album : Vhenekai (Single)
Release Year : 2022
Added By : Farida
Published : Sep 10 , 2022

More QOUNFUZED Lyrics

QOUNFUZED
QOUNFUZED
QOUNFUZED
QOUNFUZED

Comments ( 0 )

No Comment yet



About AfrikaLyrics

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2022, We Tell Africa Group Sarl