JAH PRAYZAH Mbwende cover image

Mbwende Lyrics

Mbwende Lyrics by JAH PRAYZAH


Humbwende, humbwende, humbwende
Douyai varume tinoda kurangana (Humbwende, humbwende)
Padziva guru vanotya kuyambuka (Humbwende, mukoma humbuwende)
Vanodedera, iwe vanondandama (Humbwende, humbwende)

Imi daidzai mai varo, vanomira naro 
(Humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo, vanomira naro 
(Humbwende, mukoma humbwende)

Vahombarume kuvata musango ndeha 
(Humbwende, mukoma humbwende)
Iwe zvavaremera kuteya mariva ndeha 
(Humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo
Vanomira naro (humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo, vanomira naro 
(Humbwende, mukoma humbwende)

Iwe pakudeketera mutupo vakanganwa (Humbwende, mukoma humbwende)
Iwe netsika dziya dzakarasika ndeha (Humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo, vanomira naro (Humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo, vanomira naro (Humbwende, mukoma humbwende)

Wotuka vari pasi here iwe zvauriwe unomuka urere
Denga rine mhaka here iwe zvauriwe unomuka urere
Rinenge gondora riri pamukaka rinogumburisa mhai
Rinenge gondora riri pamukaka rinogumburisa mhai

Uhwe uhwe uhwe nhamo ichauya mukoma (Ukaringa zuva ndeha ndeha)
Uhwe uhwe uhwe nhamo ichauya mukoma (Ukaringa zuva ndeha ndeha)
Haiwa wandigumbura iye iyerere iyeee (Ukaringa zuva ndeha ndeha)
Ndaiti wakachangamuka iyee iyerere iyeee (Ukaringa zuva ndeha ndeha)

Isu tiri majita, toshandira kuguta
Vanoshandira kuputa (Eyi eyi eyi eyi) haa humbwende
Mbijana mbijana (Eyi eyi eyi eyi)
Pan'ono pan'ono (Eyi eyi eyi eyi)
Kidoko kidoko (Eyi eyi eyi eyi)
Kancane kancane

Vahombarume kuvata musango ndeha (Humbwende, mukoma humbwende)
Iwe zvavaremera kuteya mariva ndeha (Humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo, vanomira naro (Humbwende, mukoma humbwende)
Imi daidzai mai varo, vanomira naro (Humbwende, mukoma humbwende)

Wotuka vari pasi here iwe zvauriwe unomuka urere
Denga rine mhaka here iwe zvauriwe unomuka urere
Rinenge gondora riri pamukaka rinogumburisa mhai
Rinenge gondora riri pamukaka rinogumburisa mhai

Uhwe uhwe uhwe nhamo ichauya mukoma (Ukaringa zuva ndeha ndeha)
Uhwe uhwe uhwe nhamo ichauya mukoma (Ukaringa zuva ndeha ndeha)
Haiwa wandigumbura iyere iyerere iyeere (Ukaringa zuva ndeha ndeha)
Ndaiti wakachangamuka iyere iyerere iyeere (Ukaringa zuva ndeha ndeha)

Haiwa irombe nderako, parinodzana unopururudza
Irombe nderako, parinodzana unopururudza
Haiwa irombe nderako, parinodzana unopururudza
Haiwa irombe nderako, parinodzana unopururudza

Humbwende, humbwende
Humbwende, humbwende


About Mbwende

Album : Gwara (Album)
Release Year : 2021
Copyright : (c) 2021
Added By : Huntyr Kelx
Published : Aug 06 , 2021

More JAH PRAYZAH Lyrics

JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH

Comments ( 0 )

No Comment yet



About AfrikaLyrics

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2022, We Tell Africa Group Sarl