Chigaro Chehushe  Lyrics by JAH PRAYZAH


Ndakazvinzwa zvamaironga
Pandichatsika muchandinokora tsoka
Pfumo reropa kune veropa, eh heee
Ndimi muchandiuraya

Panonyorwa mukono hapameri sora
Kuumburudzana, kuumburudzana
Pfumo reropa kune veropa, eh heee
Ndimi muchandiuraya

Munzira yacho kutsika mabvunze
Munoda kufamba wakateya nzeve
Pavachakanda museve tsoka ndibereke
Ndinotya kunyangarika kuenda kusingadzokwe

Chigaro chehushe chinorema
Chine varanda vazana mana
Vese vanoda kugara nhaka
Vachabayana pahukama

Chigaro chehushe chinorema
Chine varanda mazana mana
Vese vanoda kugara nhaka
Vachabayana pahukana

Ndaona mhute ichiuya
Bhuru remudzimu richikuma
Rwizi rwazara kusina kunaya
Munoda here kuteura

Zvadziri hope dzinoshura hondo
Vedumbu rimwe vodambura sungano
Zvaruri ruvengo rwopinda munwongo
Vakatemwa nyora dzemangoromera

Zvadziri hope dzinoshura hondo
Vedumbu rimwe vodambura sungano
Zvaruri ruvengo rwopinda mumwongo
Vakatemwa nyora dzemangoromera

Chigaro chehushe chinorema
Chine varanda mazana manq
Vese vanoda kugara nhaka
Vachabayana pahukama

Chigaro chehushe chinorema
Chine varanda mazana mana
Vese vanoda kugara nhaka
Vachabayana pahukama

Vanoda nduramo
Vanoda goneso
Vanobairana chiraramo
Chesimba nendarama

Mmm vanoda nduramo (Vanoda nduramo)
Vanoda goneso (Vanoda goneso)
Vanobairana chiraramo heheeee
Chesimba nendarama, haiyeyeyeye

Chigaro chehushe chinorema
Chine varanda mazana mana
Vese vanoda kugara nhaka
Vachabayana pahukama

Chigaro chehushe chinorema
Chine varanda mazana mana
Vese vanoda kugara nhaka
Vachabayana pahukama


About Chigaro Chehushe 

Album : Gwara (Album)
Release Year : 2021
Copyright : (c) 2021
Added By : Huntyr Kelx
Published : Jul 15 , 2021

More JAH PRAYZAH Lyrics

JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH

Comments ( 0 )

No Comment yet

See also



You May also Like



Get Afrika Lyrics Mobile App

About AfrikaLyrics

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2021, We Tell Africa Group Sarl