Ingozi Lyrics by STACEY MACHESO

Haiwa, haiwa ndaneta kani
Haiwa, haiwa ndaneta kani
Kukura kwedu kungori kutambura
Hapana zuva ratakati takambofara
Pfuma yakauya mhepe youya yotora
Amai mekuko kurwara hakuperi
Zvinonetsa baba pamba havatomborare
Asi chandinoziva ingozi iyi
Zvinonetsa baba pamba havatomborare
Asi chandinoziva ingozi iyi
Sisi vakatuka bhudhi vakarova
Sekuru vakaponda mbuya vakasascherera
Hapana  akaripa kana akareurura
Asi chandinoziva ingozi iyi

Kuchema kwedu hakusviki here
Iyo minamato hainzwike here
Ko vana vedu vachadiiko ava
chandinoziva ingozi iyi
Kuchema kwedu hakusviki here
Iyo minamato haisviki here
Ko vana vedu vachadiiko ava
Chandinoziva ingozi iyi

Tapedza masango, tichifamba tichivhunza
Takwira makono, tashayiwa midzi yacho
Tayedza kutsvaga zvingakonzerera
Tafukunura kwose, tachayiwa mhinduro
Zvinembondirwadza zvondidzosa shure
Kuchema misodzi, yatopera mandiri
Kana tarisiro handichina
Asi chandinoziva ingozi iyi
Zvinonyanyo remera Baba wee
Zvinonyanyo chemedza amai
Zvigozoti dzudza vana isu
Zvigozoti dzudza vana isu

Kuchema kwedu hakusviki here
Iyo minamato hainzwike here
Ko vana vedu vachadiiko ava
Chandinoziva ingozi iyi
Kuchema kwedu hakusviki here
Iyo minamato hainswike here
Ko vana vedu vachadiiko ava
Chandinoziva ingozi iyi

Iyi ingozi iyi, iyi ingozi iyi
Garai pasi ingozi iyi, bvunzanai ingozi iyi Taurai ingozi iyi
Garai pasi ingozi iyi, bvunzanai ingozi iyi Taurai ingozi iyi
Kukura kwedu kungori kutambura
Hapana zuva ratakati takambofara
Pfuma yakauya mhepe youya yotora
Amai mekuko kurwara hakuperi
Zvinonetsa baba pamba havatomborare
Asi chandinoziva ingozi iyi
Zvinonetsa baba pamba havatomborare
Asi chandinoziva ingozi iyi

Watch Video

About Ingozi

Album : Ingozi (Single)
Release Year : 2020
Copyright : (c) Illicit Records, distributed exclusively by Jungle Entertainment Ventures
Added By : Ulrich
Published : Sep 08 , 2020

More STACEY MACHESO Lyrics

Comments ( 0 )

No Comment yet

See also



You May also Like



Get Afrika Lyrics Mobile App

About AfrikaLyrics 

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2020, New Africa Media Sarl