ENZO ISHALL Vakamhanya Makarimwa cover image

Paroles de Vakamhanya Makarimwa

Paroles de Vakamhanya Makarimwa Par ENZO ISHALL


Ita handidi kunzi ndiri shasha
Ukazvikudza wakuvapa hasha
Chiteerera, nenyasha
Tarisisa usati wanyongosha

Vakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino

Vakakurirwa neruchiva
Nzira kwayanga iri vaikuziva
Hana dzavo kana kumborova
Kusina mukoti hakuna mukova
Chizvininipisa wotozvinyorova
Ohh.. vakazongosangana nazvo
Zvavaitarisira zvakanga zvisirizvo
Pakanga pasina kwavari kuenda
Bva vasurrender..

Vambopikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino

Shuwa kupedzera minondo kumakondo
Apa vanga vakatarisana nehondo
Pasi rino ngatizive tiri varendo
Tisazvivimbise makorokoto enhando
Ukaiteera mhepo yavhuvhuta
Hauregere uchangogara uchingonyunyuta
Pavakapepuka varasika, vaneta
Changu chirauro handina kupeta

Vakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino

Unobvuza Passion Java
Vakamhanya vachidonha
Ko inga vaiti vanozvigona
Takanga tiripo, takazviona
Inzwa Shona..

Ita handidi kunzi ndiri shasha
Ukazvikudza wakuvapa hasha
Chiteerera, nenyasha
Tarisisa usati wanyongosha

Variko vakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Pakati pemazino hapasi pekutambira
Unotozongorumwa
Pavakapikisa vakamhanya makarimwa
Ndakaona vadzoka varamwa
Hanzi pakati pemazino, pemazino

Ecouter

A Propos de "Vakamhanya Makarimwa"

Album : Vakamhanya Makarimwa (Single)
Année de Sortie : 2020
Copyright : (c) 2020
Ajouté par : Huntyr Kelx
Published : Jul 16 , 2020

Plus de Lyrics de ENZO ISHALL

ENZO ISHALL
ENZO ISHALL
ENZO ISHALL
ENZO ISHALL

Commentaires ( 0 )

Aucun commentaire pour l'instant



A propos de AfrikaLyrics

Afrika Lyrics est la plus large collection de paroles de chansons et de traductions d’Afrique. Afrika Lyrics fournit les paroles des musiques de plus de 30 pays africains et des traductions de lyrics de plus de 10 langues africaines en français et en anglais.

Suivre Afrika Lyrics

© 2024, We Tell Africa Group Sarl