Kurira Mukundi Lyrics by MAMBO DHUTERERE

Kurira kurira
Kurira mukundi kurira
Kurira kurira
Kurira mukundi kurira

Chinondi vhiringa hutano panyika dzino kurangarira
Kuti neramangwana ndichazoveiko
Ndinotomborara msango ndichingoshanda
Se ndiri nhapwa, ramangwa rijeke

Shungu dzemoyo dzichingoti dai vapwere
Vaseva muto varegere kuchiva vavakidzani
Nhamo haina tsiye nyoro kuti ndiseve
Kudikitira hakuna inofurira nedzivete

Hunzi ukatobuda ziya wawana dovi wasimukira
Sango rinopa waneta wadzungaira
Baba pose pandinoshanda vhangeri
Renyu ndiyo tariro

Kuti zvandino gogodza ndichazarurirwa
Nyangwe vakapfiga musuwo ndinonopinda
Nkumbariro, ini kwandinoenda ndichakusvika
Pfimbi yerugare iripo handimboneti kufukunura
Jesu vakati tsvagai muchawana

Nazvo chandisinga rivare pandinosha kunyengetera
Kuti dururai zodzo, baba dururai
Chese chandichabata, baba chinoda zodzo
Basa randinoshanda haa rinoda zodzo

Kwese kwandichashava baba kunoda zodzo
Nzira dzandichafamba haa dzinoda zodzo
Bbaa dururai zodzo, Bbaa dururai zodzo 
Bbaa dururai zodzo 


Hee denga rina Mwari anoti mukandikumbira
Kumbirai ndokupai
Ndini Mwari mumwe chete aikumbirwawo nana
Solomon njere ndichivapa

Aburaima hwai dzese dziya mombe ne
Ngamera ndini ndakamupa
Samieri mai vake vanga vava kutonzi
Ngonwa Hana ndakamupa

Vanoshamisika vavakidzani chembere 
Kuyamwisa Sara kunyamwisa
Kana zvikasa shamisa haasi Mwari
Mwari unototi ugobvunza sei
Mwari unototi ugobvunza seyiiiiii. 

Ndakazvinzwa makasimudzira
Davita kubva kumakwai, makamuita Mambo waIsirairi
Neni ndinodzidana Ngoni dzigondizunza
Ndibve guruva

zongova nhoroondo ndava Mambo
Zvese zvamakavaitira vana Josefa ndinozviziva
Zvekunotora nhapwa yova Mambo
Mukabata hupenyu hwangu inotofuma yava
Vhangeri kuti zvedi kuna Jaire anosimudza marombe

Jobo vamugadza mudhishi kutora zvese
Pfuma nevana, ndimi makamudzorera zvava double
Kana mukazvida wedenga rinotodoka ndava shoroma
Ndava kutochengeta nemadzikoma

Mwaka usati wambopera ndichatofona ndichipembera
Kuti huyai muone zvandaitirwa
Ndoti bye bye kunhamo usare mushe ndava kuenda
Wanga wanyanyawo kundishungurudza

Zvekudya zvokunhongerer zvakatoperera kuna 
Razaro ini ndiropafadze kuti ndigoche
Baba vanondikomborera pandinobuda nepakudzoka

Ngoni dzazviramba nditande botso
Chese chandichabata tenzi nenyasha 
Dzavo chicha bhuruma
Kubhuruma se mudonzvo waAron

Watch Video

About Kurira Mukundi

Album : Zvinodzimba Ngoni (EP)
Release Year : 2020
Copyright : (c) 2020
Added By : Huntyr Kelx
Published : Sep 11 , 2020

More lyrics from Zvinodzimba Ngoni (EP) album

More MAMBO DHUTERERE Lyrics

MAMBO DHUTERERE
MAMBO DHUTERERE
MAMBO DHUTERERE
MAMBO DHUTERERE

Comments ( 0 )

No Comment yet

See also



You May also Like



Get Afrika Lyrics Mobile App

About AfrikaLyrics 

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2020, New Africa Media Sarl