ENZO ISHALL Tashota cover image

Tashota Lyrics

Tashota Lyrics by ENZO ISHALL


Kuramba kudaira ndichimudana
Iyo ndiyo nguva inorova hana
Totozongotambira kuti hapana
Kwatongova kumberi kwatichasangana
Ko manje zvatanga tisina kuonekana
Maviri matatu ekumboudzana
Nguva yekuzorora painokwana
Hanzi nyama nemweya zvichapesana

Tashota tashota
Nemisodzi matama atota
Tashota tashota
Kutadza kuzvitambira tichiti kurota
Tashota tashota
Nemisodzi matama atota
Tashota tashota
Kutadza kuzvitambira tichiti kurota

Kune vari kuti pasi hapagute
Vari kurevesa ava havajute
Pandinorara hope kuti ndirote
Ndichakurota une ganda remhute
Kana wasvika vese uvamhorese
Vakakupa mukana uvaudze zvese
Tasara tashota tanga tiri tese, tiri tese

Tashota tashota
Nemisodzi matama atota
Tashota tashota
Kutadza kuzvitambira tichiti kurota
Tashota tashota
Nemisodzi matama atota
Tashota tashota
Kutadza kuzvitambira tichiti kurota

Kuchema ndekwedu tasara behind
Kuchema ndekwedu vachiri paground
Kuchema ndekwedu vachiri muround
Kutonga kwamwari hakuna rewind
Chifamba zvakanaka, famba
Tichavataurira kuri raive gamba
Famba zvakanaka, famba
Kushota hatidi asi nguva yaramba

Tashota tashota
Nemisodzi matama atota
Tashota tashota
Kutadza kuzvitambira tichiti kurota
Tashota tashota
Nemisodzi matama atota
Tashota tashota
Kutadza kuzvitambira tichiti kurota

Kuramba kudaira ndichimudana
Iyo ndiyo nguva inorova hana
Totozongotambira kuti hapana
Kwatongova kumberi kwatichasangana
Ko manje zvatanga tisina kuonekana
Maviri matatu ekumboudzana
Nguva yekuzorora painokwana
Hanzi nyama nemweya zvichapesana

Tashota tashota

Watch Video

About Tashota

Album : Tashota (Single)
Release Year : 2021
Added By : Farida
Published : Feb 02 , 2021

More ENZO ISHALL Lyrics

ENZO ISHALL
ENZO ISHALL
ENZO ISHALL
ENZO ISHALL

Comments ( 0 )

No Comment yet



About AfrikaLyrics

Afrika Lyrics is the most diverse collection of African song lyrics and translations. Afrika Lyrics provides music lyrics from over 30 African countries and lyrics translations from over 10 African Languages into English and French

Follow Afrika Lyrics

© 2024, We Tell Africa Group Sarl