JAH PRAYZAH Gamuchirai cover image

Paroles de Gamuchirai

Paroles de Gamuchirai Par JAH PRAYZAH


Zvakanaka, hatichadi kurunga mukaka
Zvimwe tichareva tasangana
Zvakadaro zvakanaka
Zvakanaka, kunamwari tingori varanda
Kutonga kwake hakuna mupanda
Tochingoti zvakanaka, zvakanaka
Chikomo chiye chakoromoka mambo haya, haya
Chikomo chiye chakoromoka mambo haya, haya
Varume mvura yadeuka yairera nherera nherera iyi
Vasikana mvura yadeuka yairera nherera
Raiva denhe reruzivo mambo
Mwedzi muchena chena chena wee

Yanga iri nzou hono yaikuma
Saka mhuru dzinosara naniko
Samanyanga gorerino inga matibaya
Yanga iri nzou hono yaikuma
Saka mhuru dzinosara naniko
Samanyanga gorerino inga matigona

Varume gomba, guva ramuchachera
Mweya uchadarika nemugore jena
Mhuka huru we tichasimudzira ndima
Kana masvika motisimbisira dhewa
Varume gomba, guva ramuchachera
Mweya uchadarika nemugore jena
Mhuka huru we tichasimudzira ndima
Kana masvika motisimbisira dhewa

Mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka
Haiwa mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka
Haiwa mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka

Inga makasakura nzira mukazarura haiwa iwa
Nzou tirangarire muriko kunyika inoyera haiwa iwa
Tine moyo inorema yakaramba kudzoreka yaramba Baba
Tine moyo inorema yakaramba kudzoreka yaramba
Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa
Handire, handire vasikana musare munyengetere
Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa
Handire, handire vasikana musare munyengetere
Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa
Handire, handire vasikana musare muchengetere
Hoyi hoyi hoere haiye hoere haiwa iwa
Handire, handire kudanana ndikotinoda

Varume gomba, guva ramuchachera
Mweya uchadarika nemugore jena
Mhuka huru we tichasimudzira ndima
Kana masvika motisimbisira dhewa
Varume gomba, guva ramuchachera
Mweya uchadarika nemugore jena
Mhuka huru we tichasimudzira ndima
Kana masvika motisimbisira dhewa

Mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka
Haiwa mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka
Haiwa mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka

Nzira dzamakafamba ndidzoka dzatinoronda
Dzakanakisawo nzou zvamaironga
Ha ruhu vakomana runoponda nenherera dzofa nenyota
Nzira dzamakafamba ndidzoka dzatinoronda
Dzakanakisawo nzou zvamaironga
Ha ruhu vakomana runoponda nenherera dzofa nenyota

Mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka
Haiwa mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka
Haiwa mai Maria musande gamuchirai
Hona samanyanga igamba chengetai
Kana vasvika muchamutswa nengoma
Zvanaka, zvanaka

Ecouter

A Propos de "Gamuchirai"

Album : Gamuchira (EP)
Année de Sortie : 2019
Ajouté par : Afrika lyrics
Published : Feb 07 , 2019

Plus de Lyrics de JAH PRAYZAH

JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH

Commentaires ( 1 )

.
Moustaff 2020-04-13 10:25:05

1 this is a shona song not zulu 2 the writen shon is grosly mistyped



A propos de AfrikaLyrics

Afrika Lyrics est la plus large collection de paroles de chansons et de traductions d’Afrique. Afrika Lyrics fournit les paroles des musiques de plus de 30 pays africains et des traductions de lyrics de plus de 10 langues africaines en français et en anglais.

Suivre Afrika Lyrics

© 2024, We Tell Africa Group Sarl